Hebrews 10

Kristu wakazadzisa zvibairo zvekare

1Nokuti murairo zvaune mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya, usiri mufananidzo wemene wezvinhu izvozvo, haungatongogoni kubudikidza nezvibairo izvozvo zvavanoramba vachibaira gore rimwe nerimwe kupedzeredza avo vanoswedera. 2Dai zvakange zvakadaro zvingadai zvisina kuguma kubairwa here? Nokuti vanamati vangadai vasingachazivizve zvivi, vanatswa kamwe chete. 3Asi kuzvibairo izvozvo kune kurangarirwa kwezvivi gore rimwe nerimwe; 4nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi. 5Naizvozvo paanosvika panyika anoti: Chibairo nechipo hamuna kuzvida, asi makandigadzirira muviri; 6zvibairo zvinopiswa nezvechivi hamuna kuzvifarira; 7ipapo ndikati: Tarirai ndinouya (murugwaro rwakapetwa makanyorwa pamusoro pangu) kuita chido chenyu, Mwari. 8Pakutanga achiti: Zvibairo nezvipiriso nezvibairo zvinopiswa nezvibairo zvechivi hamuna kuzvida kana kufadzwa nazvo, (izvo zvinobairwa sezvinoenderana nemurairo), 9ndokuzoti: Tarira, ndinouya kuzoita chido chenyu, Mwari. Anobvisa chekutanga, kuti amise chechipiri. 10Pachido ichi takaitwa vatsvene kubudikidza nechibairo chemuviri waJesu Kristu kamwe. 11Uye mupristi umwe neumwe wakamira zuva rimwe nerimwe achishumira, nekubaira kazhinji zvibairo izvozvo zvisingatongogoni kubvisa zvivi; 12asi iye wakati abaira chibairo chimwe nekuda kwezvivi nekusingaperi, akagara pasi kuruoko rwerudyi rwaMwari, 13kubva ikozvino anotarisira kusvikira vavengi vake vaitwa chitsiko chetsoka dzake. 14Nokuti nechibairo chimwe chete wakapedzeredza nekusingaperi avo vanoitwa vatsvene. 15NeMweya Mutsvenewo anotipupurira; nokuti shure kwekuti ataura pakutanga anoti: 16Iyi isungano yandichaita navo shure kwemazuva iwayo, ndizvo zvinotaura Ishe, ndichaisa mirairo yangu mumoyo yavo, uye ndichainyora mufungwa dzavo. 17Nezvivi zvavo nekuipa kwavo handichatongorangaririzve. 18Zvino pane kanganwiro yeizvi, hapachina chibairo chechivi.

Ngatiswedere nemoyo wechokwadi

19Naizvozvo, hama, tine ushingi hwekupinda panzvimbo tsvene neropa raJesu, 20nenzira itsva mhenyu, yaakatizarurira kubudikidza nemuvheiri, ndiyo nyama yake; 21uye tine mupristi mukuru pamusoro peimba yaMwari, 22ngatiswedere nemoyo wechokwadi muchivimbo chakazara cherutendo, moyo yasaswa kubva pahana yakaipa, nemuviri wakashambidzwa nemvura yakachena. 23Ngatibatisise kupupura kwetariro yedu, tisingazungunuki, nokuti iye wakavimbisa wakatendeka; 24uye ngatirangariranei pakumutsa rudo uye mabasa akanaka, 25tisingasii kuungana kwedu, setsika yevamwe, asi tichikurudzirana; zvikuru kwazvowo sezvamunoona zuva richiswedera.

26Nokuti kana tichitadza maune mushure mekunge tagamuchira ruzivo rwechokwadi, hakuchina kusara chibairo pamusoro pezvivi, 27asi kumwe kumirira kunotyisa kwekutongwa, nehasha dzemoto dzichapedza vapikisi. 28Munhu anoramba murairo waMozisi anofa pasina tsitsi nezvapupu zviviri kana zvitatu; 29munofunga kuti achanzi wakafanira kurangwa zvinorwadza sei wakatsikira pasi Mwanakomana waMwari, uye akatora ropa resungano raakaitwa mutsvene naro serisiri dzvene, uye akazvidza Mweya wenyasha? 30Nokuti tinomuziva iye wakati: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anotaura Ishe. Uyezve anoti: Ishe achatonga vanhu vake. 31Zvinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.

Fungai kutsunga kwenyu kwakare

32Asi rangarirai mazuva akare, amakati mavhenekerwa maari mukatsunga pakurwa kukuru kwematambudziko; 33pamwe, pamakaitwa chiokero zvese nekunyombwa nematambudziko; pamwewo pamakagovana naivo vakaitirwa zvakadaro. 34Nokuti nemwi makanzwira tsitsi zvisungo zvangu, makagamuchira nemufaro kupambiwa kwenhumbi dzenyu, muchiziva mukati menyu kuti imwi mune fuma yakapfuura nekunaka, uye inogara iripo kumatenga. 35Naizvozvo regai kurasa kushinga kwenyu, kune mubairo mukuru. 36Nokuti munofanira kuva nekutsungirira, zvekuti kana maita chido chaMwari, mugamuchire chivimbiso. 37Nokuti pachine kanguva kadiki-diki, anouya achauya, uye haanganonoki. 38Asi wakarurama achararama nerutendo; zvino kana akadzokera shure, mweya wangu haungafari naye. 39Zvino isu hatisi veavo vanodzokera shure kukuparadzwa; asi veavo vanotenda kukuponeswa kwemweya.

Copyright information for Shona